Galatians 5

Kusununguka muna Kristu

1Kristu akatisunungura kuti tive vakasununguka. Zvino, mirai nesimba, murege kuzviremedza zvakare nejoko routapwa.

2Batai mashoko angu! Ini, Pauro, ndinokuudzai kuti kana muchidzingiswa, Kristu haachakosheswi kwamuri napaduku. 3Uyezve, ndinotaura kumunhu wose anoda kudzingiswa kuti anofanira kuteerera murayiro wose. 4Imi munoedza kururamisirwa nomurayiro makaparadzaniswa naKristu; makabva panyasha. 5Asi nokutenda tinoshinga kwazvo kumirira kururama, kunova ndiko kwatine tariro nako kubudikidza noMweya. 6Nokuti muna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvina maturo. Chinhu chinokosha chete ndiko kutenda kunozviratidza kubudikidza norudo.

7Makanga muchimhanya nhangemutange yakanaka. Ndianiko akakudzivisai uye akakukonesai kuteerera chokwadi? 8Kugombedzera ikoko hakuna kubva kuna iye anokudanai. 9Mbiriso shoma inovirisa chikanyiwa chose chakakanyiwa. 10Ndinovimba muna She kuti hamuchazogamuchiri dzimwe pfungwa. Iyeye anokunyonganisai achazviripira mhaka yake, angava ani zvake. 11Hama dzangu, kana ndichiri kuparidza nezvokudzingiswa, ko, ndichiri kutambudzirwei hangu? Naizvozvo kugumbusa kwomuchinjikwa kwabviswa. 12Kana vari vaya vanokukuchidzirai, ndaida hangu kuti vazvigure zvinhu zvavo.

13Imi, hama dzangu, makadanwa kuti muve vakasununguka. Asi regai kushandisa rusununguko rwenyu munyama; asi shandiranai murudo. 14Murayiro wose unobatanidzwa mumurayiro mumwe chete unoti: “Ude wokwako sezvaunozvida iwe.” 15Kana muchiramba muchirumana uye nokudyana, chenjererai kuti murege kuparadzana mumwe nomumwe wenyu.

Upenyu noMweya

16Saka ndinoti, raramai noMweya, uye hamungazofadzi nyama nokuchiva kwayo. 17Nokuti nyama inoshuva zvinopesana noMweya, uye Mweya anopesanawo nezvinoshuviwa nenyama. Izvi zvinorwisana pachazvo, kuti murege kuita zvamunoda. 18Asi kana muchitungamirirwa noMweya, hamusi pasi pomurayiro.

19Mabasa enyama ndiwo aya: upombwe, tsvina, utere; 20kunamata zvifananidzo, uroyi, ruvengo, gakava, godo, kutsamwa, kuzvikudza, kuparadzana, dzidziso dzakatsauka 21nokugodorana; kudhakwa, kutamba kwakaipa, nezvimwe zvakadaro. Ndinokuyambirai, sezvandakamboita kare kuti avo vana mararamiro iwaya havangagari nhaka youmambo hwaMwari.

22Asi chibereko choMweya ndirwo rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, unyoro, kunaka, kutendeka, 23kupfava uye kuzvidzora. Hakuna murayiro unopesana nezvizvi. 24Avo vari vaKristu Jesu vakaroverera pamuchinjikwa nyama nokuchiva kwayo uye nezvainoshuva. 25Sezvo tichirarama noMweya, ngatifambei noMweya. 26Ngatiregei kuzvikudza, tichitsamwisana kana kuchiva zvevamwe.

Copyright information for SnaBDSC